Joshua 22:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi ciʋe capupu pakati peɗu nemi, napakati paʋana ʋeɗu ʋanotiteʋera, kuti ticaita ɓasa raJehova pamberi pake neɀipiriso ɀeɗu ɀinopiswa, neɀiɓayiro ɀeɗu, neɀipiriso ɀeɗu ɀokuyananisa, kuti ʋana ʋenyu ʋarege kuzoti kuʋana ʋeɗu paŋguʋa inoʋuya: Hamunomugoʋe kunaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kuti ive chapupu pakati pedu nemi uye napakati pezvizvarwa zvedu zvinotevera, kuti tichanamata Jehovha panzvimbo yake tsvene, nezvipiriso zvedu zvinopiswa, nezvibayiro uye nezvipiriso zvokuwadzana. Ipapo panguva inouya zvizvarwa zvenyu hazvingazoti kuzvizvarwa zvedu, ‘Hamuna mugove muna Jehovha.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
asi kuti ive chapupu pakati pedu nemi, uyewo chigozova chapupu pakati pezvizvarwa zvedu zvichauya.’ Chive chinhu chokutipupurira kuti isuwo tinonamata Tenzi kunzvimbo yake tsvene nemipiro yedu yokupisa nezvibayiro zvedu nemipiro yedu yokuwadzana tichiitira kuti mangwana vana venyu vanozoti ‘Chenyu muna Tenzi hapana.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi chive chapupu pakati pedu nemi, napakati pavana vedu vanotitevera, kuti tichaita basa raJehovha pamberi pake nezvipiriso zvedu zvinopiswa, nezvibayiro zvedu, nezvipiriso zvedu zvokuyananisa’, kuti vana venyu varege kuzoti kuvana vedu panguva inouya, ‘Hamuna mugove kuna Jehovha.’
Shona 2009?
asi chive chapupu pakati pedu nemi, napakati pavana vedu vanotitevera, kuti tichaita basa raJehovha pamberi pake nezvipiriso zvedu zvinopiswa, nezvibayiro zvedu, nezvipiriso zvedu zvokuyananisa', kuti vana venyu varege kuzoti kuvana vedu panguva inouya, `Hamuna mugove kuna Jehovha.'
Shona SUB 2002 Bible
asi chive chapupu pakati pedu nemi, napakati pavana vedu vanotitevera, kuti tichaita basa raJehovha pamberi pake nezvipiriso zvedu zvinopiswa, nezvibairo zvedu, nezvipiriso zvedu zvokuyananisa,’ kuti vana venyu varege kuzoti kuvana vedu panguva inouya, ‘Hamuna mugove kuna Jehovha.’