Joshua 22:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo takati: Kana ʋacizoɗaro kwatiri kana kuʋana ʋeɗu paŋguʋa inoʋuya, isu ticati: Tarirai muʋone mufananidzo weartari yaJehova, yakaitwa namadziɓaɓa eɗu, isati iri yeɀipiriso ɀinopiswa, kana yokuɓayira’po; asi capupu pakati peɗu nemi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Uye isu tikati, ‘Kana vakazotaura izvo kwatiri, kana kuzvizvarwa zvedu, tichazopindura tichiti: Tarirai muone mufananidzo wearitari yaJehovha, wakaitwa namadzibaba edu; usiri wezvipiriso zvinopiswa kana wokubayira ipapo, asi sechapupu pakati pedu nemi.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Takati kana vakawana zvavanozotaura kwatiri, isu tichazoti, ‘Onaika atari iyo yakaita seyaTenzi yakavakwa namadzibaba edu isiri yemipiro yokuwadzana kana yechibayiro asi kuti ive chapupu pakati pedu nemi.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo takati, ‘Kana vachizodaro kwatiri kana kuvana vedu panguva inouya,’ isu tichati, ‘Tarirai muone mufananidzo weatari yaJehovha, yakaitwa namadzibaba edu, isati iri yezvipiriso zvinopiswa, kana yokubayirapo; asi chapupu pakati pedu nemi.’
Shona 2009?
Naizvozvo takati, `Kana vachizodaro kwatiri kana kuvana vedu panguva inouya,' isu tichati, `Tarirai muone mufananidzo weatari yaJehovha, yakaitwa namadzibaba edu, isati iri yezvipiriso zvinopiswa, kana yokubayirapo; asi chapupu pakati pedu nemi.'
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo takati, ‘Kana vachizodaro kwatiri kana kuvana vedu panguva inouya,’ isu tichati, ‘Tarirai muone mufananidzo weatari yaJehovha, yakaitwa namadzibaba edu, isati iri yezvipiriso zvinopiswa, kana yokubayirapo; asi chapupu pakati pedu nemi.’