Joshua 22:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Pinehasi muprista, namacinda eʋuŋgano, iʋo ʋakuru ʋeɀuru ɀaʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋanaye, ʋakati ʋanzwa mashoko akataurwa naʋana ʋaRubeni, naʋana ʋaGadi, naʋana ʋaManase, ʋakafara naɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Finehasi muprista, navatungamiri veungano, vakuru vemhuri dzavaIsraeri, vakati vanzwa zvakanga zvataurwa naRubheni naGadhi naManase, vakafara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupristi Finehasi navatungamiriri vegungano, navakuru vakuru vemhuri dzavaIsiraeri vaaiva navo pavakanzwa zvakataurwa nevokwaRhubheni nevokwaGadhi nevokwaManase, vakafadzwa nazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Pinehasi mupristi, namachinda eungano, ivo vakuru vezviuru zvavaIsiraeri, vakanga vanaye, vakati vanzwa mashoko akataurwa navana vaRubheni, navana vaGadhi, navana vaManase, vakafara nazvo.
Shona 2009?
Zvino Pinehasi muprista, namachinda eungano, ivo vakuru vezviuru zvavaIsiraeri, vakanga vanaye, vakati vanzwa mashoko akataurwa navana vaRubheni, navana vaGadhi, navana vaManase, vakafara nazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Finiasi mupristi, namachinda eungano, ivo vakuru vezviuru zvaVaIsiraeri, vakanga vanaye, vakati vanzwa mashoko akataurwa navana vaRubheni, navana vaGadhi, navana vaManase, vakafara nazvo.