Joshua 22:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pinehasi, mŋanakomana waEreazari muprista, akati kuʋana ʋaRubeni, nokuʋana ʋaGadi, nokuʋana ʋaManase: Nhasi tinoziʋa kuti Jehova uri pakati peɗu, nokuti hamuna‐kuɗarikira Jehova pacinhu ici; makarwira ʋana ʋaIsraeri ɀino paruʋoko rwaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Finehasi mwanakomana waEreazari, muprista, akati kuna Rubheni, Gadhi naManase, “Nhasi tinoziva kuti Jehovha ari pakati pedu, nokuti hamuna kutadzira Jehovha pachinhu ichi. Zvino madzikinura vana vaIsraeri paruoko rwaJehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Finehasi mwanakomana womupristi Ereazari akataurira vokwaRubheni nevokwaGadhi nevokwaManase achiti, “Nhasi tazoziva kuti Tenzi ari pakati pedu nokuti hamuna kuzviita muchipandukira Tenzi. Zvino mazonunura vaIsiraeri mumaoko aTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pinehasi, mwanakomana waEreazari mupristi, akati kuvana vaRubheni, nokuvana vaGadhi, nokuvana vaManase, “Nhasi tinoziva kuti Jehovha ari pakati pedu, nokuti hamuna kudarikira Jehovha pachinhu ichi; makarwira vana vaIsiraeri zvino paruoko rwaJehovha.”
Shona 2009?
Pinehasi, mwanakomana waEreazari muprista, akati kuvana vaRubheni, nokuvana vaGadhi, nokuvana vaManase, "Nhasi tinoziva kuti Jehovha ari pakati pedu, nokuti hamuna kudarikira Jehovha pachinhu ichi; makarwira vana valsiraeri zvino paruoko rwaJehovha."
Shona SUB 2002 Bible
Finiasi, mwanakomana waEriazari mupristi, akati kuvana vaRubheni, nokuvana vaGadhi, nokuvana vaManase, “Nhasi tinoziva kuti Jehovha ari pakati pedu, nokuti hamuna kudarikira Jehovha pachinhu ichi; makarwira vana VaIsiraeri zvino paruoko rwaJehovha.”