Joshua 22:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Pinehasi, mŋanakomana waEreazari muprista, namacinda ʋakabva kuʋana ʋaRubeni naʋana ʋaGadi, panyika yeGireadi, ʋakadzokera kunyika yeKanani, kuʋana ʋaIsraeri, ʋakaʋadzosera shoko iro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Finehasi, mwanakomana waEreazari muprista, navatungamiri vakadzokera kuKenani, vachibva kumusangano wavo navaRubheni navaGadhi muGireadhi uye vakandozivisa vaIsraeri zvakanga zvaitika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Finehasi mwanakomana womupristi Ereazari navatungamiriri vaya vakadzokera zvavo kunyika yeKanani neshoko kuvaIsiraeri vachibva kunyika yeGereadhi kune vokwaRubheni nevokwaGadhi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Pinehasi, mwanakomana waEreazari mupristi, namachinda vakabva kuvana vaRubheni navana vaGadhi, panyika yeGireadhi, vakadzokera kunyika yeKenani, kuvana vaIsiraeri, vakavadzosera shoko iro.
Shona 2009?
Ipapo Pinehasi, mwanakomana waEreazari muprista, namachinda vakabva kuvana vaRubheni navana vaGadhi, panyika yeGiriyadhi, vakadzokera kunyika yeKenani, kuvana vaIsiraeri, vakavadzosera shoko iro.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Finihasi, mwanakomana waEriazari mupristi, namachinda vakabva kuvana vaRubheni navana vaGadhi, panyika yeGiriadhi, vakadzokera kunyika yeKenani, kuvana VaIsiraeri, vakavadzosera shoko iro.