Joshua 22:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino shoko iro rakafadza ʋana ʋaIsraeri, ʋana ʋaIsraeri ʋakakudza Mŋari; haʋana‐kuzotaura kuti ʋacandorwa naʋo, kuti ʋaparadze nyika makaŋga mugere ʋana ʋaRubeni naʋana ʋaGadi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakafara kunzwa shoko iri vakarumbidza Mwari. Uye havana kuzotaurazve kuti vachandorwa navo, kuti vaparadze nyika yakanga igere vaRubheni navaGadhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Shoko iroro rakafadza vaIsiraeri. VaIsiraeri vakarumbidza Tenzi uye havana kana kuzotaura nezvokuvarwisa muhondo kuti vaparadze nyika yaigara vokwaRubheni nevokwaGadhi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino shoko iro rakafadza vana vaIsiraeri, vana vaIsiraeri vakakudza Mwari; havana kuzotaura kuti vachandorwa navo, kuti vaparadze nyika makanga mugere vana vaRubheni navana vaGadhi.
Shona 2009?
Zvino shoko iro rakafadza vana vaIsiraeri, vana vaIsiraeri vakakudza Mwari; havana kuzotaura kuti vachandorwa navo, kuti vaparadze nyika makanga mugere vana vaRubheni navana vaGadhi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino shoko iro rakafadza vana VaIsiraeri, vana VaIsiraeri vakakudza Mwari; havana kuzotaura kuti vachandorwa navo, kuti vaparadze nyika makanga mugere vana vaRubheni navana vaGadhi.