Joshua 22:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi cenjerai kwaɀo kuti muite mirau nemirairo yamakarairwa naMosesi muranda waJehova, kuti muɗe Jehova Mŋari wenyu, nokufamba munzira dzake dzose, nokuceŋgeta mirairo yake, nokumunamatira, nokumushumira nemŋoyo yenyu yose ʋuye nemŋeya yenyu yose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi muchenjerere kwazvo kuti muchengete murau nomurayiro wake, munamatire paari uye mumushumire nemwoyo yenyu yose, uye nemweya yenyu yose.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nyatsongwarirai kuchengeta mutemo nomurao wamakaudzwa naMosesi muranda waTenzi, wokuti mude Tenzi, Mwari wenyu, mufambe munzira dzake dzose muteerere mirao yake muti kwati kwati naye, muchimushandira nomwoyo wenyu wose, nomweya wenyu wose.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi chenjerai kwazvo kuti muite mirau nemirairo yamakarairwa naMosesi muranda waJehovha, kuti mude Jehovha Mwari wenyu, nokufamba munzira dzake dzose, nokuchengeta mirairo yake, nokumunamatira, nokumushumira nemwoyo yenyu yose uye nemweya yenyu yose.”
Shona 2009?
Asi chenjerai kwazvo kuti muite mirau nemirairo yamakarairwa naMozisi muranda waJehovha, kuti mude Jehovha Mwari wenyu, nokufamba munzira dzake dzose, nokuchengeta mirairo yake, nokumunamatira, nokumushumira nemoyo yenyu yose uye nemweya yenyu yose."
Shona SUB 2002 Bible