Joshua 22:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi wakaŋga apa imŋe hafu yorudzi rwaManase nhaka yaʋo muBashani; asi imŋe hafu yorudzi yakapiwa nhaka yayo naJoshua, pamŋe cete nehama dzaʋo, mhiri kwaJoridani kumaʋirazuʋa. Ɀino Joshua akaʋaropafadza ʋo pakuʋaendisa kwake kumatente aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
(Rudzi rwehafu rwaManase, Mozisi akanga apa nyika yomuBhashani, uye imwe hafu yorudzi rwaManase yakapiwa nyika naJoshua kumavirazuva pamwe chete nehama dzavo.) Joshua akati avaendesa kumusha, akavaropafadza,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakanga zvaitika ndezvokuti Mosesi akanga apa chimwe chikamu chevedzinza rokwaManase nyika yavo kuBhashani, Joshuwa ndokupawo chimwe chikamu chevedzinza irori nyika, pedyo nehama dzavo yokumadokero kwaJorodhani. Pakuonekana navo, Joshuwa akavapa chikomborero
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi wakanga apa imwe hafu yorudzi rwaManase nhaka yavo muBhashani; asi imwe hafu yorudzi yakapiwa nhaka yayo naJoshua, pamwechete nehama dzavo, mhiri kwaJorodhani kumavirazuva. Zvino Joshua akavaropafadzawo pakuvaendisa kwake kumatende avo.
Shona 2009?
Zvino Mozisi wakanga apa imwe hafu yorudzi rwaManase nhaka yavo muBhashani; asi imwe hafu yorudzi yakapiwa nhaka yayo naJoshua, pamwechete nehama dzavo, mhiri kwaJorodhani kumavirazuva. Zvino Joshua akavaropafadzawo pakuvaendisa kwake kumatende avo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi wakanga apa imwe hafu yorudzi rwaManase nhaka yavo muBhashani; asi imwe hafu yorudzi yakapiwa nhaka yayo naJoshua, pamwechete nehama dzavo, mhiri kwaJodhani kumavirazuva. Zvino Joshua akavaropafadzawo pakuvaendisa kwake kumatende avo.