Joshua 22:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋana ʋaRubeni, naʋana ʋaGadi, nehafu yorudzi rwaManase ʋakadzoka, ʋakaparadzana naʋana ʋaIsraeri paShiro munyika yeKanani, ʋakaenda kunyika yeGireadi, kunyika yaʋakaŋga ʋapiwa kuti iʋe yaʋo, seɀakaŋga ɀataurwa nomurairo waJehova nomuromo waMosesi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka vaRubheni, vaGadhi norudzi rwehafu rwaManase vakasiya vaIsraeri paShiro munyika yeKenani vakadzokera kunyika yeGireadhi, nyika yavakanga vapiwa kuti ive yavo, sezvakanga zvarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo vokwaRubheni nevokwaGadhi nechimwe chikamu chevedzinza rokwaManase vakadzokera kumusha. Vakaonekedzana navamwe vavo vaIsiraeri kuShiro, munyika yeKanani, voenda zvavo kuGireadhi kunyika yavo yavakatora vakaiita yavo sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nokuna Mosesi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vana vaRubheni navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase vakadzoka, vakaparadzana navana vaIsiraeri paShiro munyika yeKenani, vakaenda kunyika yeGireadhi, kunyika yavakanga vapiwa kuti ive yavo, sezvakanga zvataurwa nomurayiro waJehovha nomuromo waMosesi.
Shona 2009?
Zvino vana vaRubheni navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase vakadzoka, vakaparadzana navana vaIsiraeri paShiro munyika yeKenani, vakaenda kunyika yeGiriyadhi, kunyika yavakanga vapiwa kuti ive yavo, sezvakanga zvataurwa nomurayiro waJehovha nomuromo waMozisi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vana vaRubheni navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase vakadzoka, vakaparadzana navana VaIsiraeri paShiro munyika yeKenani, vakaenda kunyika yeGiriadhi, kunyika yavakanga vapiwa kuti ive yavo, sezvakanga zvataurwa nomurairo waJehovha nomuromo waMosesi.