Joshua 23:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
muziʋe ɀirokwaɀo, kuti Jehova Mŋari wenyu haaŋgadziŋgi ndudzi idzi pamberi penyu; asi ʋacaʋa musuŋgo neriʋa kwamuri, netyaʋa kunhiʋi dzenyu, neminzwa pameso enyu, kuȿikira mapera panyika iyo yakanaka yamakapiwa naJehova Mŋari wenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ipapo zvirokwazvo Jehovha Mwari wenyu haangazodzingi ndudzi pamberi penyu. Asi vachava musungo neriva kwamuri, netyava kumisana yenyu neminzwa pameso enyu, kusvikira mapera panyika ino yakanaka, yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nyatsozivai zvechokwadi kuti Tenzi Mwari wenyu haazoramba achikudzingirai marudzi, asi ivo vachava riva nechinhu chinokuteyai neshamhu inokurovai mativi neminzwa mumaziso enyu kudzamara matsakatika munyika ino yakanaka yamapiwa naTenzi Mwari wenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
muzive zvirokwazvo, kuti Jehovha Mwari wenyu haangadzingi ndudzi idzi pamberi penyu; asi vachava musungo neriva kwamuri, netyava kunhivi dzenyu, neminzwa pameso enyu, kusvikira mapera panyika iyo yakanaka yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.
Shona 2009?
muzive zvirokwazvo, kuti Jehovha Mwari wenyu haangadzingi ndudzi idzi pamberi penyu; asi vachava musungo neriva kwamuri, netyava kunhivi dzenyu, nemhinzwa pameso enyu, kusvikira mapera panyika iyo yakanaka yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.
Shona SUB 2002 Bible
muzive zvirokwazvo, kuti Jehovha Mwari wenyu haangadzingi ndudzi idzi pamberi penyu; asi vachava musungo neriva kwamuri, netyava kunhivi dzenyu, neminzwa pameso enyu, kusvikira mapera panyika iyo yakanaka yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.