Joshua 23:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, nhasi ini ndoenda nenzira yenyika yose; ɀino imi munoziʋa mumŋoyo yenyu yose nomumŋeya yenyu yose, kuti hapanecinhu cimŋe paɀose ɀakanaka ɀakataurwa pamsoro penyu naJehova Mŋari wenyu, cakakona.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvino ini ndava kuenda nenzira yenyika yose. Imi munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu chakakona.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Chionai ini ndava kuendawo kunoenda vamwe imi mose munonyatsozviziva mumwoyo menyu mose iyemi pachenyu kuti hakuna kana chinhu chimwechete zvacho chakanaka chakavimbiswa pamusoro penyu chisina kuitika, zvose zvakaitirwa imi, hapana chakakundika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Tarirai, nhasi ini ndoenda nenzira yenyika yose; zvino imi munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, chakakona.
Shona 2009?
"Tarirai, nhasi ini ndoenda nenzira yenyika yose; zvino imwi munoziva mumoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, chakakona.
Shona SUB 2002 Bible
“Tarirai, nhasi ini ndoenda nenzira yenyika yose; zvino imi munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, chakakona.