Joshua 23:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana mukaɗarika suŋgano yaJehova Mŋari wenyu, yaakakurairai, mukandoshumira ʋamŋe ʋamŋari, mukafugama pamberi paʋo, ipapo kutsamŋa kwaJehova kucakumukirai, mukakurumidza kupera, nokubviswa panyika iyo yakanaka, yamakapiwa naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana mukaputsa sungano yaJehovha Mwari wenyu, yaakakurayirai, mukandoshumira vamwe vamwari uye mukavapfugamira kutsamwa kwaJehovha kuchakumukirai, mukakurumidza kuparara panyika yakanaka yaakakupai.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokudaro mukatyora chitenderano chaTenzi, Mwari wenyu chaakakuudzai, mukandonamata vamwe vamwari muchivapfugamira, Tenzi ndopaachakuvirukirai nehasha, mugokurumidza kutsakatika munyika yakanaka yaakakupai.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana mukadarika sungano yaJehovha Mwari wenyu, yaakakurairai, mukandoshumira vamwe vamwari, mukapfugama pamberi pavo, ipapo kutsamwa kwaJehovha kuchakumukirai, mukakurumidza kupera, nokubviswa panyika iyo yakanaka, yamakapiwa naye.”
Shona 2009?
Kana mukadarika sungano yaJehovha Mwari wenyu, yaakakurairai, mukandoshumira vamwe vamwari, mukapfugama pamberi pavo, ipapo kutsamwa kwaJehovha kuchakumukirai, mukakurumidza kupera, nokubviswa panyika iyo yakanaka, yamakapiwa naye."
Shona SUB 2002 Bible
Kana mukadarika sungano yaJehovha Mwari wenyu, yaakakurairai, mukandoshumira vamwe vamwari, mukapfugama pamberi pavo, ipapo kutsamwa kwaJehovha kuchakumukirai, mukakurumidza kupera, nokubviswa panyika iyo yakanaka, yamakapiwa naye.”