Joshua 23:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, ndakakupai ndudzi idzi dzasara, iʋe nhaka yamarudzi enyu, kubva paJoridani, pamŋe cete nendudzi dzose dzandakaparadza, kuȿikira kuguŋgwa guru kumaʋirazuʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rangarirai kuti ndakakugoverai kuti ive nhaka yamarudzi enyu, nyika yose yendudzi dzakasara, ndudzi dzandakakunda pakati peJorodhani neGungwa Guru kumavirazuva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chionai ndakakugoverai senhaka yamadzinza enyu, nyika dzose dzendudzi dzavanhu dzisati dzakurirwa pamwechete nedzandakakurira kubvira kuna Jorodhani kusvikira kuGungwa guru kumadokero.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarirai, ndakakupai ndudzi idzi dzasara, ive nhaka yamarudzi enyu, kubva paJorodhani, pamwechete nendudzi dzose dzandakaparadza, kusvikira kugungwa guru kumavirazuva.
Shona 2009?
Tarirai, ndakakupai ndudzi idzi dzasara, ive nhaka yamarudzi enyu, kubva paJorodhani, pamwechete nendudzi dzose dzandakaparadza, kusvikira kugungwa guru kumavirazuva.
Shona SUB 2002 Bible
Tarirai, ndakakupai ndudzi idzi dzasara, ive nhaka yamarudzi enyu, kubva paJodhani, pamwechete nendudzi dzose dzandakaparadza, kusvikira kugungwa guru kumavirazuva.