Joshua 24:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikatuma pamberi penyu mago, akaʋadziŋga pamberi penyu, iwo madzimambo maʋiri aʋaAmori; haʋana‐kudziŋgwa neminondo yenyu kana noʋuta bgenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakatuma mago pamberi penyu, iwo akavadzinga pamberi penyu, uyezve madzimambo maviri avaAmori. Hamuna kuzviita nomunondo wenyu kana nouta hwenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakafanotumira madzimambo maviri aya avaAmori mweya wokutyai imi samago, vakafanokutizai. Haasi mapakatwa enyu kana miseve yenyu yakaita izvozvi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikatuma pamberi penyu mago, akavadzinga pamberi penyu, iwo madzimambo maviri avaAmori; havana kudzingwa neminondo yenyu kana nouta hwenyu.
Shona 2009?
Ndikatuma pamberi penyu mago, akavadzinga pamberi penyu, iwo madzimambo maviri avaAmori; havana kudzingwa neminondo yenyu kana nouta bwenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Ndikatuma pamberi penyu mago, akavadzinga pamberi penyu, iwo madzimambo maviri aVaAmori; havana kudzingwa neminondo yenyu kana nouta hwenyu.