Joshua 24:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikakupai nyika yomusina‐kurima, namaguta amusina‐kuʋaka, mamugere ɀino; munodya minda yemizambiriŋga neyemiorivi yamusina‐kusima.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka ndakakupai nyika yamusina kushandira namaguta amusina kuvaka; uye mugere maari uye munodya zvinobva muminda yemizambiringa nemiorivhi yamusina kusima.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakakupai minda yamusina kumbounda namaguta amusina kuvaka mamugere, muchidya zvenyu michero yeminda yemigirepisi neyemiorivhi yamusina kumbosima.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikakupai nyika yamusina kurima, namaguta amusina kuvaka, mamugere zvino; munodya minda yemizambiringa neyemiorivhi yamusina kusima.
Shona 2009?
Ndikakupai nyika yamusina kurima, namaguta amusina kuvaka, mamugere zvino; munodya minda yemizambiringa neyemiorivhi yamusina kusima.
Shona SUB 2002 Bible
Ndikakupai nyika yamusina kurima, namaguta amusina kuvaka, mamugere zvino; munodya minda yemizambiringa neyemiorivhi yamusina kusima.