Joshua 24:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana muciti ɀakaipa kushumira Jehova, ɀitsaurirei nhasi wamunoɗa kushumira, kana ʋamŋari ʋaishumirwa namadziɓaɓa enyu mhiri kwoRwizi, kana ʋamŋari ʋaʋaAmori ʋamugere munyika yaʋo; asi kana ndirini naʋeimba yaŋgu ticashumira Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana kushumira Jehovha kusingakufadzei, zvino zvisarudzirei nhasi wamuchashumira, vamwari vaishumirwa namadzitateguru enyu mhiri kwoRwizi kana vamwari vavaAmori, munyika mamugere. Asi kana ndirini neimba yangu tichashumira Jehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana imi musingadi kunamata Tenzi chisarudzai nhasi uno wamunoda kunamata pana vamwari vainamatwa namadzibaba enyu kumhiri kwerwizi kana vamwari vavaAmori vomunyika ino yamugere. Asi ini nemhuri yangu tichanamata Tenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana kuchiti zvakaipa kushumira Jehovha, zvitsaurirei nhasi wamunoda kushumira, kana vamwari vaishumirwa namadzibaba enyu mhiri kwoRwizi, kana vamwari vavaAmori vamugere munyika yavo; asi kana ndirini naveimba yangu tichashumira Jehovha.”
Shona 2009?
Kana muchiti zvakaipa kushumira Jehovha, zvitsaurirei nhasi wamunoda kushumira, kana vamwari vaishumirwa namadzibaba enyu mhiri koRwizi, kana vamwari vavaAmori vamugere munyika yavo; asi kana ndirini naveimba yangu tichashumira Jehovha."
Shona SUB 2002 Bible
Kana kuchiti zvakaipa kushumira Jehovha, zvisarudzirei nhasi wamunoda kushumira, kana vamwari vaishumirwa namadzibaba enyu mhiri kweRwizi, kana vamwari vaVaAmori vamugere munyika yavo; asi kana ndirini naveimba yangu tichashumira Jehovha.”