Joshua 24:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Joshua akati kuʋanhu: Hamuŋgagoni kushumira Jehova, nokuti ndiMŋari mutȿene, ndiMŋari unegoɗo, haaŋgakukaŋganwiriyi kuɗarika kwenyu neɀiʋi ɀenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Joshua akapindura vanhu achiti, “Hamungagoni kushumira Jehovha. NdiMwari mutsvene; ndiMwari ane godo. Haangakukanganwirei kumumukira kwenyu nezvivi zvenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Joshuwa akavati, “Hamungambokwanisi kushandira Tenzi imi nokuti iye ndiMwari mutsvene. NdiMwari weshanje. Haazokuregererai zvikanganiso nezvitadzo zvenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Joshua akati kuvanhu, “Hamungagoni kushumira Jehovha, nokuti ndiMwari mutsvene, ndiMwari une godo, haangakukanganwiriyi kudarika kwenyu nezvivi zvenyu.
Shona 2009?
Zvino Joshua akati kuvanhu, "Hamungagoni kushumira Jehovha, nokuti ndiMwari mutsvene, ndiMwari une godo, haangakukangamwiriyi kudarika kwenyu nezvivi zvenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Joshua akati kuvanhu, “Hamungagoni kushumira Jehovha, nokuti ndiMwari mutsvene, ndiMwari une godo, haangakukanganwiriyi kudarika kwenyu nezvivi zvenyu.