Joshua 24:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Joshua akati kuʋanhu ʋose: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Madziɓaɓa enyu aigara kare mhiri kwoRwizi, iye Tera, ɓaɓa ʋaAbrahama, naNahori, acishumira ʋamŋe ʋamŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Joshua akati kuvanhu vose, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: ‘Kare madzitateguru enyu pamwe chete naTera, baba vaAbhurahama naNahori, vaigara mhiri kwoRwizi vachishumira vamwe vamwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Joshuwa akataurira vanhu vose ivava achiti, “Zvanzi naTenzi Mwari wavaIsiraeri, ‘Madzitateguru enyu aigara kumhiri kwaYufuratesi, Tera baba waAbhurahamu naNahori vainamata vamwe vamwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Joshua akati kuvanhu vose, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, ‘Madzibaba enyu aigara kare mhiri kwoRwizi, iye Tera, baba vaAbhurahamu, naNahori, achishumira vamwe vamwari.’
Shona 2009?
Joshua akati kuvanhu vose, "Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, `Madzibaba enyu aigara kare mhiri koRwizi, iye Tera, baba vaAbhurahamu, naNahori, achishumira vamwe vamwari.'
Shona SUB 2002 Bible
Joshua akati kuvanhu vose, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, ‘Madzibaba enyu aigara kare mhiri kweRwizi, iye Tera, baba vaAbhurahamu, naNahori, achishumira vamwe vamwari.’