Joshua 24:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Joshua akati kuʋanhu: Munoɀipupurira kuti makatsaura Jehova kuti mumushumirei. Iʋo ʋakati: Tiri ɀapupu heɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Joshua akati, “Ndimi zvapupu zvezvamaita kuti masarudza kushumira Jehovha.” Ivo vakapindura vachiti, “Hongu, tiri zvapupu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Joshuwa ndokuti kwavari, “Iyemi ndimi matova zvapupu zvokuzvipupurira pachenyu kuti masarudza kuti Tenzi ndiye wamuchanamata.” Vakati, “Hongu ndisu zvapupu zvacho.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Joshua akati kuvanhu, “Munozvipupurira kuti makatsaura Jehovha kuti mumushumirei. Ivo vakati, ‘Tiri zvapupu hedu.’
Shona 2009?
Joshua akati kuvanhu, "Munozvipupurira kuti makatsaura Jehovha kuti mumushumirei. Ivo vakati, `Tiri zvapupu hedu.'
Shona SUB 2002 Bible
Joshua akati kuvanhu, “Munozvipupurira kuti makatsaura Jehovha kuti mumushumire. Ivo vakati, ‘Tiri zvapupu hedu.’