Joshua 24:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Joshua akati kuʋanhu ʋose: Tarirai, ibge iri ricakupupurirai, nokuti rakanzwa mashoko ose atakataura naJehova; naiɀoɀo ricakupupurirai, kuti murege kuzoramba Mŋari wenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati kuvanhu vose, “Tarirai! Ibwe iri richava chapupu pamusoro pedu. Ranzwa mashoko ose ataurwa naJehovha kwatiri. Richava chapupu pamusoro penyu kana musina kutendeka kuna Mwari wenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Joshuwa akataurira vanhu vose achiti, “Chionai, zidombo iri richava chapupu chokutipisa mhosva nokuti ranzwa zvose zvataurwa naTenzi kwatiri. Naizvozvo richava chapupu chokukupisai mhosva zvimwe mungadaro mukazoita zvokunyengedza Mwari wenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Joshua akati kuvanhu vose, “Tarirai, ibwe iri richakupupurirai, nokuti rakanzwa mashoko ose atakataura naJehovha; naizvozvo richakupupurirai, kuti murege kuzoramba Mwari wenyu.”
Shona 2009?
Joshua akati kuvanhu vose, "Tarirai, ibwe iri richakupupurirai, nokuti rakanzwa mashoko ose atakataura naJehovha; naizvozvo richakupupurirai, kuti murege kuzoramba Mwari wenyu."
Shona SUB 2002 Bible
Joshua akati kuvanhu vose, “Tarirai, ibwe iri richakupupurirai, nokuti rakanzwa mashoko ose atakataura naJehovha; naizvozvo richakupupurirai, kuti murege kuzoramba Mwari wenyu.”