Joshua 24:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ini ndikatora ɓaɓa ʋenyu Abrahama mhiri kwoRwizi, ndikamufambisa panyika yose yeKanani, ndikawanza ʋana ʋake, ndikamupa Isaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ndakatora baba wenyu Abhurahama kubva kunyika iri mhiri kweRwizi ndikamufambisa munyika yose yeKenani ndikamupa vana vazhinji. Ndakamupa Isaka,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakazotora tateguru wenyu Abhurahamu kumhiri kwerwizi ndikamufambisa nenyika yose yeKanani ndikamupa vana vakawanda. Ndakamupa Isaki,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ini ndikatora baba venyu Abhurahamu mhiri kwoRwizi, ndikamufambisa panyika yose yeKenani, ndikawanza vana vake, ndikamupa Isaka.
Shona 2009?
lni ndikatora baba venyu Abhurahamu mhiri koRwizi, ndikamufambisa panyika yose yeKenani, ndikawanza vana vake, ndikamupa Isaka.
Shona SUB 2002 Bible
Ini ndikatora baba venyu Abhurahamu mhiri kweRwizi, ndikamufambisa panyika yose yeKenani, ndikawanza vana vake, ndikamupa Isaka.