Joshua 24:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mafupa aJosefa, akaŋga aʋuya naʋana ʋaIsraeri pakuɓuɗa kwaʋo Egipita, ʋakaaʋiga paShekemi, panɀimbo yenyika yakaŋga yateŋgwa naJakobo kuʋana ʋaHamori, ɓaɓa ʋaShekemi, nezana remari; ikazoʋa nhaka yaʋana ʋaJosefa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mapfupa aJosefa, ayo akanga auyiwa nawo navana vaIsraeri kubva kuIjipiti, akavigwa paShekemu, munzvimbo yakanga yatengwa naJakobho kuvanakomana vaHamori, baba vaShekemu, nezana remari yesirivha. Iyi yakava nhaka yezvizvarwa zvaJosefa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mapfupa aJosefi akanga aunzwa navaIsiraeri pavakabva kuIjipiti vakaaviga kuShikemu munzvimbo yakatengwa naJokobho kuna vaHamori baba waShikemu nezana remari yesirivha. Nzvimbo yacho yakazova nhaka yezvizvarwa zvokwaJosefi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mapfupa aJosefa, akanga auya navana vaIsiraeri pakubuda kwavo Ijipiti, vakaaviga paShekemu, panzvimbo yenyika yakanga yatengwa naJakobho kuvana vaHamori, baba vaShekemu, nezana remari; ikazova nhaka yavana vaJosefa.
Shona 2009?
Mapfupa aJosefa, akanga auya navana vaIsiraeri pakubuda kwavo Ijipiti, vakaaviga paShekemu, panzvimbo yenyika yakanga yatengwa naJakobho kuvana vaHamori, baba vaShekemu, nezana remari; ikazova nhaka yavana vaJosefa.
Shona SUB 2002 Bible
Mapfupa aJosefa, akanga auya navana VaIsiraeri pakubuda kwavo Ijipiti, vakaaviga paShekemu, panzvimbo yenyika yakanga yatengwa naJakobho kuvana vaHamori, baba vaShekemu, nezana remari; ikazova nhaka yavana vaJosefa.