Joshua 24:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Ereazari, mŋanakomana waAroni, akafa, ʋakamuʋiga mucikomo comŋanakomana wake Pinehasi, caakaŋga apiwa munyika yamakomo yaEfraimi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Ereazari mwanakomana waAroni akafa, akavigwa paGibhea munzvimbo yakanga yapiwa mwanakomana wake Finehasi, munyika yamakomo yaEfuremu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ereazari mwanakomana waAroni akafawo, vakamuviga kuGibhea muguta raFinehasi mwanakomana wake raakapiwa munyika yemakomo yeEfuraimu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Ereazari, mwanakomana waAroni, akafa, vakamuviga muchikomo chomwanakomana wake Pinehasi, chaakanga apiwa munyika yamakomo yaEfuremu.
Shona 2009?
Zvino Ereazari, mwanakomana waAroni, akafa, vakamuviga muchikomo chomwanakomana wake Pinehasi, chaakanga apiwa munyika yamakomo yaEfuremu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Eriazari, mwanakomana waAroni, akafa, vakamuviga muchikomo chomwanakomana wake Finiasi, chaakanga apiwa munyika yamakomo yaEfuremu.