Joshua 24:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ŋguʋa yaʋakacema kunaJehova, akaisa rima pakati penyu naʋaEgipita, akaʋuyisa guŋgwa pamsoro paʋo, akaʋafukidza; meso enyu akaʋona ɀandakaita paEgipita, mukagara mureŋje mazuʋa mazhinji.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ivo vakachema kuna Jehovha, akaisa rima pakati penyu navaIjipita; akauyisa gungwa pamusoro pavo rikavafukidza. Makaona nameso enyu chaiwo zvandakaita kuvaIjipita. Ipapo makagara murenje kwenguva refu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakachema kuna Tenzi kuti avabatsire, akabva aisa rima rakati ndo-o pakati penyu navaIjipiti. Akaunza gungwa akavafushira naro. Imi nameso enyu makaona zvandakaita kuIjipiti. Makazogara murenje kwenguva ndefu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nguva yavakachema kuna Jehovha, akaisa rima pakati penyu navaIjipiti, akauyisa gungwa pamusoro pavo, akavafukidza; meso enyu akaona zvandakaita paIjipiti, mukagara murenje mazuva mazhinji.
Shona 2009?
Zvino nguva yavakachema kuna Jehovha, akaisa rima pakati penyu navaIjipiti, akauyisa gungwa pamusoro pavo, akavafukidza; meso enyu akaona zvandakaita mukagara murenje mazuva mazhinji.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nguva yavakachema kuna Jehovha, akaisa rima pakati penyu navaIjipiti, akauyisa gungwa pamusoro pavo, akavafukidza; meso enyu akaona zvandakaita paIjipiti, mukagara murenje mazuva mazhinji.