Joshua 24:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikakuȿitsai kunyika yaʋaAmori, ʋakaŋga ʋagere mhiri kwaJoridani; iʋo ʋakarwa nemi, ndikaʋaisa mumaʋoko enyu, nyika yaʋo ikaʋa yenyu, ndikaʋaparadza pamberi penyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Ndakauya nemi kunyika yavaAmori vaigara kumabvazuva kweJorodhani. Vakakurwisai asi ndakavaisa mumaoko enyu. Ndakavaparadza pamberi penyu, imi mukatora nyika yavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakakuunzai kunyika yavaAmori vaigara kumhiri kwaJorodhani. Vakakurwisai, asi ndakavaisa mumaoko enyu, ndakakuparadzirai vanhu ivavo, imi mukavatorera nyika yavo kuti ive yenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikakusvitsai kunyika yavaAmori, vakanga vagere mhiri kwaJorodhani; ivo vakarwa nemi ndikavaisa mumaoko enyu, nyika yavo ikava yenyu, ndikavaparadza pamberi penyu.
Shona 2009?
Ndikakusvitsai kunyika yavaAmori, vakanga vagere mhiri kwaJorodhani; ivo vakarwa nemwi ndikavaisa mumaoko enyu, nyika yavo ikava yenyu, ndikavaparadza pamberi penyu.
Shona SUB 2002 Bible
Ndikakusvitsai kunyika yaVaAmori, vakanga vagere mhiri kwaJodhani; ivo vakarwa nemi ndikavaisa mumaoko enyu, nyika yavo ikava yenyu, ndikavaparadza pamberi penyu.