Joshua 3:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Joshua akati: Mucaziʋa necinhu ici kuti Mŋari mupenyu uri pakati penyu, ʋuye kuti ucadziŋga ɀirokwaɀo pamberi penyu ʋaKanani, naʋaHeti, naʋaHivi, naʋaPerezi, naʋaGirgashi, naʋaAmori, naʋaJebusi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ichi ndicho chinhu chamuchaziva nacho kuti Mwari wenyu mupenyu ari pakati penyu uye kuti zvirokwazvo achadzinga vaKenani mberi kwenyu, navaHiti, navaPerizi, navaGirigashi, navaAmoni navaJebhusi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Joshuwa akati, “Mwari mupenyu, ari pakati penyu uye haambokundikani kukudzingirai vaKanani navaHiti navaHivhi navaPerizi navaGirigashi navaAmori navaJebhusi. Zvamuchazviziva nazvo ndezvizvi zvokuti:
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Joshua akati, “Muchaziva nechinhu ichi kuti Mwari mupenyu uri pakati penyu, uye kuti uchadzinga zvirokwazvo pamberi penyu vaKenani, navaHeti, navaHivhi, navaPerezi, navaGirigashi, navaAmori, navaJebhusi.
Shona 2009?
Joshua akati, "Muchaziva nechinhu ichi kuti Mwari mupenyu uri pakati penyu, uye kuti uchadzinga zvirokwazvo pamberi penyu vaKenani, navaHeti, navaHivhi, navaPerezi, navaGirigashi, navaAmori, navaJebhusi.
Shona SUB 2002 Bible
Joshua akati, “Muchaziva nechinhu ichi kuti Mwari mupenyu uri pakati penyu, uye kuti uchadzinga zvirokwazvo pamberi penyu VaKenani, naVaHeti, naVaHivhi, naVaPerezi, naVaGirigashi, naVaAmori, naVaJebhusi.