Joshua 3:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana tsoka dzaʋaprista ʋanotakura areka yaJehova, Ishe wenyika yose, dzicitsika mumvura yaJoridani, mvura yaJoridani icagurwa, iyo mvura inobva kumsoro; icamira, ikaita murwi mukuru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye vaprista vanotakura areka yaJehovha, Ishe wenyika yose, pavanongotsika netsoka dzavo muJorodhani, mvura yarwo inoerera ichibva kumusoro ichamira yoita murwi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tsoka dzavapristi vanenge vakatakura bhokisi raTenzi, Tenzi wepasi pose padzichatsika mumvura yaJorodhani, mvura iyoyo yaJorodhani ichaganhuka kuerera mvura, inenge ichierera ichibva kumusoro ichaita murwi kumira.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana tsoka dzavapristi vanotakura areka yaJehovha, Ishe wenyika yose dzichitsika mumvura yaJorodhani, mvura yaJorodhani ichagurwa, iyo mvura inobva kumusoro; ichamira, ikaita murwi mukuru.”
Shona 2009?
Zvino kana tsoka dzavaprista vanotakura areka yaJehovha, Ishe wenyika yose dzichitsika mumvura yaJorodhani, mvura yaJorodhani ichagurwa, iyo mvura inobva kumusoro; ichamira, ikaita murwi mukuru."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana tsoka dzavapristi vanotakura areka yaJehovha, Ishe wenyika yose dzichitsika mumvura yaJodhani, mvura yaJodhani ichagurwa, iyo mvura inobva kumusoro; ichamira, ikaita murwi mukuru.”