Joshua 3:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iwe unofanira kuraira ʋaprista kuti ʋatakure areka yesuŋgano, uciti: Kana maȿika parutiʋi rwemvura yaJoridani, munofanira kumira muJoridani.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Taurira vaprista vanotakura areka yesungano uti: ‘Kana masvika panotangira mvura yeJorodhani, munofanira kupinda momira muJorodhani.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Udza vapristi vanenge vakatakura bhokisi rechitenderano kuti pavanosvika kumahombekombe kwaJorodhani, vamire vakati dzororo muna Jorodhani.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iwe unofanira kuraira vapristi kuti vatakure areka yesungano, uchiti, ‘Kana masvika parutivi rwemvura yaJorodhani, munofanira kumira muJorodhani.’ ”
Shona 2009?
Iwe unofanira kuraira vaprista kuti vatakure areka yesungano, uchiti, `Kana masvika parutivi rwemvura yaJorodhani, munofanira kumira muJorodhani.' "
Shona SUB 2002 Bible
Iwe unofanira kuraira vapristi kuti vatakure areka yesungano, uchiti, ‘Kana masvika parutivi rwemvura yaJodhani, munofanira kumira muJodhani.’ ”