Joshua 4:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaprista ʋakaŋga ʋakatakura areka yesuŋgano yaJehova ʋakati ʋakwira ʋaɓuɗa mukati maJoridani, netsoka dzaʋaprista dzasimudzwa dzaȿika pasi pakawoma, mvura yaJoridani ikadzokera panɀimbo yayo, ikaɗarika nhiʋi dzarwo dzose sakare.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino vaprista vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vachangobuda kubva pakati peJorodhani, tsoka dzavo dzichangotsika ivhu rakaoma, mvura yeJorodhani yakadzokera panzvimbo yayo ikazara kusvika nokumahombekombe ose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vapristi vainge vakatakura bhokisi raTenzi rechitenderano pavakakwira vachibva muna Jorodhani, pavakangoti simudzei tsoka dzavo vachitsika pasi pakaoma, mvura yaJorodhani yakabva yadzokera pakare ikafashukira mhiri nemhiri sezvayakanga yakaita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vapristi vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakati vakwira vabuda mukati maJorodhani, netsoka dzavapristi dzasimudzwa dzasvika pasi pakaoma, mvura yaJorodhani ikadzokera panzvimbo yayo, ikadarika nhivi dzarwo dzose sakare.
Shona 2009?
Zvino vaprista vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakati vakwira vabuda mukati maJorodhani, netsoka dzavaprista dzasimudzwa dzasvika pasi pakaoma, mvura yaJorodhani ikadzokera panzvimbo yayo, ikadarika nhivi dzarwo dzose sakare.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vapristi vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakati vakwira vabuda mukati maJodhani, netsoka dzavapristi dzasimudzwa dzasvika pasi pakaoma, mvura yaJodhani ikadzokera panzvimbo yayo, ikadarika nhivi dzarwo dzose sakare.