Joshua 4:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ʋakakwira ʋakaɓuɗa paJoridani pazuʋa regumi romŋedzi wokutaŋga, ʋakadzika matente aʋo muGirgari, pamuganho wamabvazuʋa eJeriko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva regumi romwedzi wokutanga vanhu vakabuda kubva muJorodhani vakavaka misasa paGirigari pamuganhu wokumabvazuva eJeriko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIsiraeri vakabuda muna Jorodhani pazuva rechigumi romwedzi wokutanga, vakandodzika matendhe avo vava kuGirigari, kumuganhu wokumabvazuva weJeriko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu vakakwira vakabuda paJorodhani pazuva regumi romwedzi wokutanga, vakadzika matende avo muGirigari, pamuganhu wamabvazuva eJeriko.
Shona 2009?
Vanhu vakakwira vakabuda paJorodhani pazuva regumi romwedzi wokutanga, vakadzika matende avo muGirigari, pamuganhu wamabvazuva eJeriko.
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu vakakwira vakabuda paJodhani pazuva regumi romwedzi wokutanga, vakadzika matende avo muGirigari, pamuganhu wamabvazuva eJeriko.