Joshua 4:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Imi munofanira kuziʋisa ʋana ʋenyu, muciti: Israeri ʋakayambuka Joridani urwu ʋacitsika pasi pakawoma.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
muvataurire kuti, ‘Israeri yakayambuka Jorodhani pavhu rakaoma.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapa izotaurira vana venyu kuti, ‘VaIsiraeri vakayambuka Jorodhani urwu napakaoma.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Imi munofanira kuzivisa vana venyu, muchiti, ‘Isiraeri vakayambuka Jorodhani urwu vachitsika pasi pakaoma.’
Shona 2009?
imwi munofanira kuzivisa vana venyu, muchiti, VaIsiraeri vakayambuka Jorodhani urwu vachitsika pasi pakaoma.'
Shona SUB 2002 Bible
Imi munofanira kuzivisa vana venyu, muchiti, ‘Isiraeri vakayambuka Jodhani urwu vachitsika pasi pakaoma.’