Joshua 4:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Jehova Mŋari wakapxisa mvura yaJoridani pamberi penyu, kuȿikira mayambuka, seɀaakaita iye Jehova Mŋari wenyu paGuŋgwa Dɀuku, raakapxisa pamberi peɗu, kuȿikira tayambuka;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti Jehovha Mwari wenyu akaomesa Jorodhani pamberi penyu kusvikira mayambuka. Jehovha Mwari wenyu akaita kuJorodhani sezvaakaita kuGungwa Dzvuku paakariomesa pamberi pedu kusvikira tayambuka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti Tenzi, Mwari wenyu akakuomeserai mvura yaJorodhani kusvikira mayambuka, sezvakaitawo iye Tenzi, Mwari wenyu kugungwa Dzvuku raakatiomesera kusvikira tayambuka,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Jehovha Mwari wakapwisa mvura yaJorodhani pamberi penyu, kusvikira mayambuka, sezvaakaita iye Jehovha Mwari wenyu paGungwa Dzvuku, raakapwisa pamberi pedu, kusvikira tayambuka;
Shona 2009?
Nokuti Jehovha Mwari wakapwisa mvura yaJorodhani pamberi penyu, kusvikira mayambuka, sezvaakaita iye Jehovha Mwari wenyu paGungwa Dzvuku, raakapwisa pamberi pedu, kusvikira tayambuka;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Jehovha Mwari akapwisa mvura yaJodhani pamberi penyu, kusvikira mayambuka, sezvaakaita iye Jehovha Mwari wenyu paGungwa Dzvuku, raakapwisa pamberi pedu, kusvikira tayambuka;