Joshua 4:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Imi muti kwaʋari: Nokuti mvura yaJoridani yakagurwa pamberi peareka yesuŋgano yaJehova; ŋguʋa yayakayambuka Joridani, mvura yaJoridani yakagurwa; mabge awa acaʋa ciraŋgaridzo pakati paʋana ʋaIsraeri nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
muvataurire kuti mvura yeJorodhani yaiyerera yakaganhurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha. Pavakayambuka Jorodhani, mvura yeJorodhani yakaganhurwa. Matombo aya anofanira kuva chirangaridzo kuvanhu veIsraeri nokusingaperi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Imi muvataurire kuti, ‘Mvura yaJorodhani yakamboganhurwa pamberi pebhokisi raTenzi rechitenderano pakuyambuka kwarakaita Jorodhani. Mvura yaJorodhani yakaganhurwa. Saka mabwe iwaya achava chiyeuchidzo kuvaIsiraeri nokusingaperi.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Imi muti kwavari, ‘Nokuti mvura yaJorodhani yakagurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha; nguva yayakayambuka Jorodhani, mvura yaJorodhani yakagurwa; mabwe awa achava chirangaridzo pakati pavana vaIsiraeri nokusingaperi.’ ”
Shona 2009?
imwi muti kwavari, `Nokuti mvura yaJorodhani yakagurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha; nguva yayakayambuka Jorodhani, mvura yaJorodhani yakagurwa; mabwe awa achava chirangaridzo pakati pavana vaIsiraeri nokusingaperi.' "
Shona SUB 2002 Bible
Imi muti kwavari, ‘Nokuti mvura yaJodhani yakagurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha; nguva yayakayambuka Jodhani, mvura yaJodhani yakagurwa; mabwe awa achava chirangaridzo pakati pavana VaIsiraeri nokusingaperi.’ ”