Joshua 5:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mana ikaguma nomusi wakateʋera uyo waʋakadya nawo ɀiɓereko ɀenyika iyo; ʋana ʋaIsraeri haʋana‐kuzoʋa nemana ɀe, asi ʋakadya ɀiɓereko ɀenyika yeKanani gore irero.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mana yakabva yaguma musi wakatevera shure kwokudya zvokudya zvenyika iyoyo; vaIsraeri havana kuzova nemanazve, asi vakadya zvibereko zvenyika yeKenani gore iroro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rava ramangwana acho, zvemana zviya zvakabva zvapera, pavakadya mbesa dzenyika iyoyo. VaIsiraeri havana kuzopiwa mana zvakare, asi vakadya zvirimwa zvenyika yeKanani mugore iroro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mana ikaguma nomusi wakatevera uyo wakadya nawo zvibereko zvenyika iyo; vana vaIsiraeri havana kuzova nemanazve, asi vakadya zvibereko zvenyika yeKenani gore irero.
Shona 2009?
mana*ikaguma nomusi wakatevera uyo wavakadya nawo zvibereko zvenyika iyo; vana vaIsiraeri havana kuzova nemanazve, asi vakadya zvibereko zvenyika yeKenani gore irero.
Shona SUB 2002 Bible
Mana ikaguma nomusi wakatevera uyo wakadya nawo zvibereko zvenyika iyo; vana VaIsiraeri havana kuzova nemanazve, asi vakadya zvibereko zvenyika yeKenani gore irero.