Joshua 5:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati: Kwete, asi ndaʋuya ini mukuru wehondo yaJehova. Ipapo Joshua akawira pasi neciso cake, akanamata kwaari, akati kwaari: Ishe waŋgu unoreʋeiko kumuranda wake?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akapindura achiti, “Kwete, asi ndauya ini mukuru wehondo yaJehovha.” Ipapo Joshua akawira pasi nechiso chake akanamata, uye akamubvunza achiti, “Ishe wangu mune shoko reiko kumuranda wenyu?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akati, “Kwete. Asi ndauya somutungamiriri wehondo yaTenzi.” Ipapo Joshuwa akati pasi zvambarara, achimuremekedza achiti, “Changamire, chiiko chamunoda kutaura neni muranda wenyu?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati, “Kwete, asi ndauya ini mukuru wehondo yaJehovha.” Ipapo Joshua akawira pasi nechiso chake, akanamata kwaari, akati kwaari, “Ishe wangu unoreveiko kumuranda wake?”
Shona 2009?
Iye akati, "Kwete, asi ndauya ini mukuru wehondo yaJehovha." Ipapo Joshua akawira pasi nechiso chake, akanamata kwaari, akati kwaari, "Ishe wangu unoreveiko kumuranda wake?"
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati, “Kwete, asi ndauya ini mukuru wehondo yaJehovha.” Ipapo Joshua akawira pasi nechiso chake, akanamata kwaari, akati kwaari, “Ishe wangu unoreveiko kumuranda wake?”