Joshua 5:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakafamba makore anamakumi manna murenje, kuȿikira rudzi rwose, iʋo ʋarume ʋehondo ʋakaŋga ʋaɓuɗa Egipita, ʋaparadzwa, nokuti haʋana‐kuterera inzwi raJehova; Jehova akapika kwaʋari kuti haaŋgaʋaʋonesi nyika, yaakaŋga apikira madziɓaɓa aʋo, kuti ucatipa iyo, iri nyika inoyerera mukaka noʋuci.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaIsraeri vakanga vafamba mugwenga kwamakore makumi mana kusvikira varume vose vaiva vezera rehondo pavakabuda muIjipiti vafa, nokuti vakanga vasina kuteerera Jehovha. Nokuti Jehovha akanga apika kwavari kuti havaizoona nyika iyo yaakanga avimbisa madzitateguru avo kuti achatipa, nyika inoerera mukaka nouchi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zviripo ndezvokuti vaIsiraeri vakafamba murenje kwamakumi mana amakore kudzamara vanhu vose ivavo varwi vehondo vakanga vabva kuIjipiti vaparara nokuti havana kuteerera Tenzi. Tenzi akavapikira kuti havazombofa vakaona nyika iyoyo yakatsidzwa naiye Tenzi kumadzibaba avo kuti tizopiwa, nyika yakanaka nyika yomukaka nouchi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti vana vaIsiraeri vakafamba makore ana makumi mana murenje, kusvikira rudzi rwose, ivo varume vehondo vakanga vabuda Ijipiti, vaparadzwa, nokuti havana kuteerera izwi raJehovha; Jehovha akapika kwavari kuti haangavaonesi nyika, yaakanga apikira madzibaba avo, kuti uchatipa iyo, iri nyika inoyerera mukaka nouchi.
Shona 2009?
Nokuti vana vaIsiraeri vakafamba makore ana makumi mana murenje, kusvikira rudzi rwose, ivo varume vehondo vakanga vabuda Ijipiti, vaparadzwa, nokuti havana kuteerera inzwi raJehovha, Jehovha akapika kwavari kuti haangavaonesi nyika, yaakanga apikira madzibaba avo, kuti uchatipa iyo, iri nyika inoyerera mukaka nouchi.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti vana VaIsiraeri vakafamba makore ana makumi mana murenje, kusvikira rudzi rwose, ivo varume vehondo vakanga vabuda Ijipiti, vaparadzwa, nokuti havana kuteerera izwi raJehovha; Jehovha akapika kwavari kuti haangavaonesi nyika, yaakanga apikira madzibaba avo, kuti uchatipa iyo, iri nyika inoyerera mukaka nouchi.