Joshua 6:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Joshua akaraira ʋanhu, akati: Regai kuɗanidzira, namanzwi enyu ŋgaarege kunzwika, kana shoko rimŋe ŋgarirege kuɓuɗa pamiromo yenyu, kuȿikira pamusi wandinokurairai kuti muɗanidzire; ipapo munofanira kuɗanidzira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Joshua akanga arayira vanhu achiti, “Musadanidzira, musasimudzira manzwi enyu, musamboti bufu kusvikira zuva randinokuudzai kuti mudanidzire, ipapo ndipo pamunozodanidzira!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Joshuwa akayambira vanhu achiti, “Musambozhamba zvenyu kana kuwana mumwe wenyu anoti chwe kana kuti zvako muromo bufu kusvikira musi wandichakutii zhambai. Ndopamuchazhamba ipapo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Joshua akaraira vanhu, akati, “Regai kudanidzira, namazwi enyu ngaarege kunzwika, kana shoko rimwe ngarirege kubuda pamiromo yenyu, kusvikira pamusi wandinokurairai kuti mudanidzire; ipapo munofanira kudanidzira.”
Shona 2009?
Zvino Joshua akaraira vanhu, akati, "Regai kudanidzira, namanzwi enyu ngaarege kunzwika, kana shoko rimwe ngarirege kubuda pamiromo yenyu, kusvikira pamusi wandinokurairai kuti mudanidzire; ipapo munofanira kudanidzira.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Joshua akaraira vanhu, akati, “Regai kudanidzira, namazwi enyu ngaarege kunzwika, kana shoko rimwe ngarirege kubuda pamiromo yenyu, kusvikira pamusi wandinokurairai kuti mudanidzire; ipapo munofanira kudanidzira.”