Joshua 6:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino paŋguʋa yecinomŋe, ʋaprista ʋakati ʋaciridza hwamanda, Joshua akati kuʋanhu: Ƌanidzirai, nokuti Jehova wakupai guta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva yechinomwe, vaprista pavakaridzisa hwamanda kwenguva refu, Joshua akarayira vanhu achiti, “Danidzirai! Nokuti Jehovha akupai guta!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakati zvino vatenderera kechinomwe, vapristi varidzawo hwamanda, Joshuwa akati kuvanhu “Daidzirai nokuti Tenzi aisa guta irori mumaoko enyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino panguva yechinomwe, vapristi vakati vachiridza hwamanda, Joshua akati kuvanhu, “Danidzirai, nokuti Jehovha wakupai guta.
Shona 2009?
Zvino panguva yechinomwe, vaprista vakati vachiridza hwamanda, Joshua akati kuvanhu, "Danidzirai, nokuti Jehovha wakupai guta.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino panguva yechinomwe, vapristi vakati vachiridza hwamanda, Joshua akati kuvanhu, “Danidzirai, nokuti Jehovha wakupai guta.