Joshua 6:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi guta rinofanira kuyeriswa kunaJehova, iro neɀose ɀiri mukati maro; asi Rakabi ɓedzi, cifeʋe ciya, ŋgaaregwe ari mupenyu, iye naʋose ʋari mumba make, nokuti wakaʋanza nhume dzatakatuma.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Guta nezvose zviri mariri rinofanira kupiwa kuna Jehovha. Asi Rahabhi chifeve bedzi navose vaainavo mumba make ndivo vachasiyiwa, nokuti akavanza vashori vatakatuma.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Guta rose nezvose zviri mariri zvaturirwa kuna Tenzi kuti zviparadzwe kuna Tenzi kusiya chete Rahabhu, pfambi iya pamwechete navose vaanavo mumba make, ndivo vachararama nokuti akahwandisa vasori vaya vatakatuma.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi guta rinofanira kuyeriswa kuna Jehovha, iro nezvose zviri mukati maro; asi Rakabhi bedzi, chifeve chiya, ngaaregwe ari mupenyu, iye navose vari mumba make, nokuti wakavanza nhume dzatakatuma.
Shona 2009?
Asi guta rinofanira kuyeriswa kuna Jehovha, iro nezvose zviri mukati maro; asi Rakabhi bedzi, chifeve chiya, ngaaregwe ari mupenyu, iye navose vari mumba make, nokuti wakavanza nhume dzatakatuma.
Shona SUB 2002 Bible
Asi guta rinofanira kuyeriswa kuna Jehovha, iro nezvose zviri mukati maro; asi Rahabhu bedzi, chifeve chiya, ngaaregwe ari mupenyu, iye navose vari mumba make, nokuti wakavanza nhume dzatakatuma.