Joshua 6:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi imi, cenjerai paɀinhu ɀinoyera, kuti murege kutora cinhu cinoyera, mambociyerisa; naiɀoɀo muŋgatukisa misasa yaIsraeri mukaipinza muɗambudziko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi imi musaswedera pazvinhu zvakatukwa, kuti murege kuzviunzira kuparara, nokutora kana chimwe chazvo. Dzimwe nguva mungaunza kuparara pamusasa weIsraeri mukaipinza padambudziko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi siyanai zvenyu nezvinhu zvaturirwa kuparadzirwa Mwari imi mambozviturira kuparadzirwa Mwari mungadaro mukatora chinhu chipi nechipi chakadai, gungano ravaIsiraeri rikavawo chinhu chakaturirwa kuparadzirwa Mwari, mutiunzire nhamo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi imi, chenjerai pazvinhu zvinoyera, kuti murege kutora chinhu chinoyera, mambochiyeresa; naizvozvo mungatukisa misasa yaIsiraeri mukaipinza mudambudziko.
Shona 2009?
Asi imwi, chenjerai pazvinhu zvinoyera, kuti murege kutora chinhu chinoyera, mambochiyeresa, naizvozvo mungatukisa misasa yaIsiraeri mukaipinza mudambudziko.
Shona SUB 2002 Bible
Asi imi, chenjerai pazvinhu zvinoyera, kuti murege kutora chinhu chinoyera, mambochiyeresa; naizvozvo mungatukisa misasa yaIsiraeri mukaipinza mudambudziko.