Joshua 6:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋanhu ʋakaɗanidzira, naʋaprista ʋakaridza hwamanda; ɀino ʋanhu ʋakati ʋacinzwa kurira kwehwamanda, ʋanhu ʋakaɗanidzira nokuɗanidzira kukuru, ruȿiŋgo ndokukoromoka cose, ʋanhu ʋakakwira ʋacipinda muguta, mumŋe nomumŋe pakaruramana naye, ʋakakunda guta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hwamanda padzakarira, vanhu vakadanidzira, uye pakurira kwehwamanda, vanhu pavakadanidzira zvikuru, rusvingo rwakakoromoka; naizvozvo murume mumwe nomumwe akamhanya achipinda napakanga pakanangana naye, vachibva vatora guta.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka vanhu vakazhambarara, iyo hwamanda yichiridzwa. Vanhu pavakangonzwa kurira kwehwamanda vakazhambarara zvikuru, rusvingo rukakoromokera pasi rukati warara, vanhu vose vakati karakata kupinda muguta nepakanangana naye, vakabva vakurira guta irori.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo vanhu vakadanidzira, navapristi vakaridza hwamanda; zvino vanhu vakati vachinzwa kurira kwehwamanda, vanhu vakadanidzira nokudanidzira kukuru, rusvingo ndokukoromoka chose, vanhu vakakwira vachipinda muguta, mumwe nomumwe pakaruramana naye, vakakunda guta.
Shona 2009?
Naizvozvo vanhu vakadanidzira, navaprista vakaridza hwamanda; zvino vanhu vakati vachinzwa kurira kwehwamanda, vanhu vakadanidzira nokudanidzira kukuru, rusvingo ndokukoromoka chose, vanhu vakakwira vachipinda muguta, mumwe nomumwe pakaruramana naye, vakakunda guta.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo vanhu vakadanidzira, navapristi vakaridza hwamanda; zvino vanhu vakati vachinzwa kurira kwehwamanda, vanhu vakadanidzira nokudanidzira kukuru, rusvingo ndokukoromoka chose, vanhu vakakwira vachipinda muguta, mumwe nomumwe pakaruramana naye, vakakunda guta.