Joshua 6:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Neŋguʋa iyo Joshua akaʋapikisa, aciti: Munhu unozomuka akaʋaka guta iri reJeriko ŋgaatukwe; ucarashikirwa neɗaŋgwe rake kana aciteya nheyo dzaro, ʋuye ucarashikirwa norugotwe rwake kana acimutsa masuʋo aro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva iyoyo Joshua akareva mhiko iyi achiti, “Ngaatukwe pamberi paJehovha munhu achazoedza kuvakazve guta iri Jeriko: “Acharasikirwa nomwanakomana wake wedangwe paachaisa nheyo dzaro; acharasikirwa negotwe rake paachamisa masuo aro.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panguva iyoyo Joshuwa akayambira vanhu achiti: “Munhu achasimuka zvake ovaka guta iri reJeriko, Tenzi ngaamuone. Kuchera kwake ugaro hwaro, kutange norufu rwomwanakomana wake wedangwe. Kumiswa kwemisuo yaro kupere nokufa, kunyangwe kwomwanakomana wake wegotwe.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nenguva iyo Joshua akavapikisa, achiti, “Munhu unozomuka akavaka guta iri reJeriko ngaatukwe; ucharashikirwa nedangwe rake kana achiteya nheyo dzaro, uye ucharashikirwa norugotwe rwake kana achimutsa masuo aro.”
Shona 2009?
Nenguva iyo Joshua akavapikisa, achiti, "Munhu unozomuka akavaka guta iri reJeriko ngaatukwe; ucharashikirwa nedangwe rake kana achiteya nheyo dzaro, uye ucharashikirwa norugotwe rwake kana achimutsa masuo aro."
Shona SUB 2002 Bible
Nenguva iyo Joshua akavapikisa, achiti, “Munhu unozomuka akavaka guta iri reJeriko ngaatukwe; ucharashikirwa nedangwe rake kana achiteya nheyo dzaro, uye ucharashikirwa norugotwe rwake kana achimutsa masuwo aro.”