Joshua 6:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munofanira kukomba guta, imi ʋarume ʋose ʋehondo, mupoteredze guta kamŋe cete. Unofanira kuita saiɀoɀo mazuʋa matanhatu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Fambai mutenderere guta kamwe chete pamwe navarume vose vehondo. Muite izvi kwamazuva matanhatu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varwi vose vehondo munofanira kufamba muchitenderera guta irori, muritenderere kamwechete. Ndozvamuchaita kwamazuva matanhatu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munofanira kukomba guta, imi varume vose vehondo, mupoteredze guta kamwe chete. Unofanira kuita saizvozvo mazuva matanhatu.
Shona 2009?
Munofanira kukomba guta, imwi varume vose vehondo, mupoteredze guta kamwe chete. Unofanira kuita saizvozvo mazuva matanhatu.
Shona SUB 2002 Bible
Munofanira kukomba guta, imi varume vose vehondo, mupoteredze guta kamwechete. Unofanira kuita saizvozvo mazuva matanhatu.