Joshua 6:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana ʋoridzisa norunyaŋga rwegondobge, kana imi mucinzwa kurira kwehwamanda, ipapo ʋanhu ʋose ʋanofanira kuɗanidzira nokuɗanidzira kukuru; ipapo ruȿiŋgo rweguta rucakoromoka cose, naʋanhu ʋanofanira kupinda, mumŋe nomumŋe ipapo pakaruramana naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana mukazovanzwa varidza hwamanda kwenguva refu, vanhu vose vanofanira kudanidzira zvikuru; ipapo rusvingo rweguta ruchakoromoka, vanhu vagopinda, mumwe nomumwe pakanangana naye.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavanozoti rebesei kuridza hwamanda yorunyanga rwehondohwe pamunongonzwa hwamanda iyoyo, vanhu vose ngavazhambe nezwi guru. Rusvingo rweguta iri ruchakoromokera pasi kuti warara, munhu wose ngaabva ati karakata napakanangana naye.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana voridzisa norunyanga rwegondohwe, kana imi muchinzwa kurira kwehwamanda, ipapo vanhu vose vanofanira kudanidzira nokudanidzira kukuru; ipapo rusvingo rweguta ruchakoromoka chose, navanhu vanofanira kupinda, mumwe nomumwe ipapo pakaruramana naye.”
Shona 2009?
Zvino kana voridzisa norunyanga rwegondobwe, kana imwi muchinzwa kurira kwehwamanda, ipapo vanhu vose vanofanira kudanidzira nokudanidzira kukuru; ipapo rusvingo rweguta ruchakoromoka chose, navanhu vanofanira kupinda, mumwe nomumwe ipapo pakaruramana naye."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana voridzisa norunyanga rwegondohwe, kana imi muchinzwa kurira kwehwamanda, ipapo vanhu vose vanofanira kudanidzira nokudanidzira kukuru; ipapo rusvingo rweguta ruchakoromoka chose, navanhu vanofanira kupinda, mumwe nomumwe ipapo pakaruramana naye.”