Joshua 7:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Simuka, utsaure ʋanhu, uti: Ɀitsaurirei maŋgwana, nokuti ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Kunecinhu cakayeriswa pakati penyu, Israeri; hamuŋgakundi ʋaʋeŋgi ʋenyu, kuȿikira mabvisa cinhu cakayeriswa pakati penyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Enda unonatsa vanhu. Uvataurire kuti, ‘Zvinatsei muchigadzirira zuva ramangwana; nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Chinhu chakatukwa chiri pakati penyu, imi vaIsraeri. Hamungagoni kumisidzana navavengi venyu kusvikira machibvisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Simuka, uchenure vanhu uti, zvichenurei mugadzirire mangwana nokuti Tenzi, Mwari wavaIsiraeri ati, ‘Mukati menyu mune zvinhu zvakuturirwa kuna Mwari kuti zviparadzwe. Saka imi vaIsiraeri, hamungakwanise kumirisana navavengi venyu kusvikira mabvisa zvinhu izvozvo pakati penyu zvakaturirwa kwandiri kuti zviparadzwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Simuka, utsaure vanhu, uti, ‘Zvitsaurirei mangwana, nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri: Kune chinhu chakayeriswa pakati penyu, Isiraeri; hamungakundi vavengi venyu, kusvikira mabvisa chinhu chakayeriswa pakati penyu.’
Shona 2009?
Simuka, utsaure vanhu, uti, `Zvitsaurirei mangwana, nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri: Kune chinhu chakayeriswa pakati penyu, Isiraeri; hamungakundi vavengi venyu, kusvikira mabvisa chinhu chakayeriswa pakati penyu.'
Shona SUB 2002 Bible
Simuka, utsaure vanhu, uti, ‘Zvitsaurirei mangwana, nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri: Kune chinhu chakayeriswa pakati penyu, Isiraeri; hamungakundi vavengi venyu, kusvikira mabvisa chinhu chakayeriswa pakati penyu.’