Joshua 7:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Joshua akati kunaAkani: Mŋana waŋgu, cikudza Jehova Mŋari waIsraeri, uɀireʋurure kwaari; ndiʋudze ɀino ɀawakaita, usandiʋanzira iɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akati kuna Akani, “Mwanakomana wangu, ipa mbiri kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, ureurure kwaari. Ndiudze kuti chii chawaita; usandivanzira.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Joshuwa akati kuna Akani, “Mwanangu pano apaka, chiremekedza Tenzi, Mwari wavaIsiraeri umurumbidze, ureurure kwandiri zvawakaita usandivanzire.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Joshua akati kuna Akani, “Mwana wangu, chikudza Jehovha Mwari waIsiraeri, uzvireurure kwaari; ndiudze zvino zvawakaita, usandivanzira izvo.”
Shona 2009?
Zvino Joshua akati kuna Akani, "Mwana wangu, chikudza Jehovha Mwari waIsiraeri, uzvireurure kwaari; ndiudze zvino zvawakaita, usandivanzira izvo."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Joshua akati kuna Akani, “Mwana wangu, chikudza Jehovha Mwari waIsiraeri, uzvireurure kwaari; ndiudze zvino zvawakaita, usandivanzira izvo.”