Joshua 7:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Joshua akatuma ʋarume ʋabve Jeriko ʋaende Ai, guta riri parutiʋi rweBeti‐aveni, kumabvazuʋa eBeteri, akataura naʋo, akati: Kwirai, mundoshora nyika. Ʋarume ʋakakwira, ʋakandoshora Ai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Joshua akatuma vanhu kubva Jeriko kuenda kuAi, iri pedyo neBheti Avheni kumabudazuva kweBheteri, akavaudza kuti, “Endai munoshora nzvimbo iyi.” Naizvozvo varume vakaenda vakanoshora Ai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Joshuwa akatuma vamwe varume vachibva kuJeriko kuenda kuAi, guta riri pedyo neBhetihavheni nechokumabvazuva kweBheteri, akavati, “Kwirai uku mundosora nyika.” Varume ivavo vakakwira ikoko, vakasora guta reAi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Joshua akatuma varume vabve Jeriko vaende Ai, guta riri parutivi rweBheti‐avheni, kumabvazuva eBheteri, akataura navo, akati, “Kwirai, mundoshora nyika.” Varume vakakwira, vakandoshora Ai,
Shona 2009?
Joshua akatuma varume vabve Jeriko vaende Ai, guta riri parutivi rweBheti-avheni, kumabvazuva eBheteri, akataura navo, akati, "Kwirai, mundoshora nyika." Varume vakakwira, vakandoshora Ai,
Shona SUB 2002 Bible
Joshua akatuma varume vabve Jeriko vaende Ai, guta riri parutivi rweBheti–avheni, kumabvazuva eBhetieri, akataura navo, akati, “Kwirai, mundoshora nyika.” Varume vakakwira, vakandoshora Ai,