Joshua 8:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova wakati kunaJoshua: Usatya, kana kuvunduswa; tora ʋanhu ʋose ʋehondo, musimuke, mukwire Ai; tarira, ndaisa muruʋoko rwako mambo weAi naʋanhu ʋake, neguta rake, nenyika yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Usatya kana kuvhundutswa. Tora varwi vose uende unorwisa Ai. Nokuti ndaisa mambo weAi, navanhu vake, neguta rake nenyika yake mumaoko ako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akataurira Joshuwa achiti, “Usatye kana kuzeza, tora vanhu vehondo vose vaunavo usimuke ukwire kuAi. Zviripo ndezvizvi, ndaisa mumaoko ako mambo wokuAi navanhu vake, neguta rake nenyika yake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha wakati kuna Joshua, “Usatya, kana kuvhunduswa; tora vanhu vose vehondo, musimuke, mukwire Ai; tarira ndaisa muruoko rwako mambo weAi navanhu vake, neguta rake, nenyika yake.
Shona 2009?
Zvino Jehovha wakati kuna Joshua, "Usatya, kana kuvhunduswa; tora vanhu vose vehondo, musimuke, mukwire Ai; tarira ndaisa muruoko rwako mambo weAi navanhu vake, neguta rake, nenyika yake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha wakati kuna Joshua, “Usatya, kana kuvhunduswa; tora vanhu vose vehondo, musimuke, mukwire Ai; tarira ndaisa muruoko rwako mambo weAi navanhu vake, neguta rake, nenyika yake.