Joshua 8:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo weAi wakati aʋona iɀoɀo, ʋakakurumidza kumuka maŋgwanani, ʋarume ʋeguta ʋakaɓuɗa kundorwa naIsraeri, iye naʋanhu ʋake ʋose, panɀimbo yakaŋga yatarwa, paMupata; asi haana‐kuziʋa kuti kwakaŋga kunaʋaʋandiri neceseri kweguta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino mambo weAi paakaona izvi, iye navarume vose veguta vakakurumidza kubuda mangwanani kuti vasangane navaIsraeri varwe panzvimbo yakanga yakatarisana neArabha. Asi haana kuziva kuti akanga avandirwa seri kweguta.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo weguta reAi paakaona izvi iye navanhu vake vose vomuguta imomo vakabuda, vakamhanyira kumateru, vakananga kugan'a reArabha, vachida kundorwisana navaIsiraeri ikoko. Asi haana kuziva kuti kuseri kweguta irori kwaiva navakanga vakamuhwandira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambo weAi wakati aona izvozvo, vakakurumidza kumuka mangwanani, varume veguta vakabuda kundorwa naIsiraeri, iye navanhu vake vose, panzvimbo yakanga yatarwa, paMupata; asi haana kuziva kuti kwakanga kuna vavandiri necheseri kweguta.
Shona 2009?
Zvino mambo weAi wakati aona izvozvo, vakakurumidza kumuka mangwanani, varume veguta vakabuda kundorwa naIsiraeri, iye navanhu vake vose, panzvimbo yakanga yatarwa, pamupata; asi haana kuziva kuti kwakanga kuna vavandiri necheseri kweguta.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambo weAi wakati aona izvozvo, vakakurumidza kumuka mangwanani, varume veguta vakabuda kundorwa naIsiraeri, iye navanhu vake vose, panzvimbo yakanga yatarwa, paMupata; asi haana kuziva kuti kwakanga kuna vavandiri necheseri kweguta.