Joshua 8:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akati kunaJoshua: Tambanudzira pfumo riri muruʋoko rwako kurutiʋi rweAi, nokuti ndicariisa muruʋoko rwako. Joshua akatambanudzira pfumo rakaŋga riri muruʋoko rwake kurutiʋi rweguta;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehovha akati kuna Joshua, “Simudza pfumo rawakabata muruoko rwako urinongedzere kuAi, nokuti ndichaisa guta iri muruoko rwako.” Naizvozvo Joshua akanongedzera pfumo rake kuAi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi ndokuti kuna Joshuwa, “Tondeka kuguta reAi nepfumo riri muruoko rwako nokuti ndichaisa guta irori mumaoko ako.” Joshuwa akanongedzera kuguta iroro nepfumo raiva muruoko rwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Tambanudzira pfumo riri muruoko rwako kurutivi rweAi, nokuti ndichariisa muruoko rwako.” Joshua akatambanudzira pfumo rakanga riri muruoko rwake kurutivi rweguta;
Shona 2009?
Zvino Jehovha akati kuna Joshua, "Tambanudzira pfumo riri muruoko rwako kurutivi rweAi, nokuti ndichariisa muruoko rwako." Joshua akatambanudzira pfumo rakanga riri muruoko rwake kurutivi rweguta;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Tambanudzira pfumo riri muruoko rwako kurutivi rweAi, nokuti ndichariisa muruoko rwako.” Joshua akatambanudzira pfumo rakanga riri muruoko rwake kurutivi rweguta;